Pamusoroi
vakokwa vese kunyanya Ishe vedunhu rino Ishe Kazangarare, vashandi
vemapazi eHurumende kusanganisira vebazi
reDzidzo, bazi remitambo netsika, bazi revechidiki, nemamwe mapazi ese
eHurumende.
Ndinochingamidza
zvakare vauya vakamirira sangano reCulture Fund avo vanove vakatibatsira kuti
tiite hurongwa uhwu tichifara tose. Pasina ivo nhimbe yemafaro yatinayo pano
ingadai isina kubudirira.
Nditendereiwo
kugamuchira vese vauya pano kubva kumativi mana enyika kuuya kuHurungwe
kwatinoti kunorira mburungwe yemafaro.
Muchidimbu
nhoroondo ye Hurungwe Arts Festival yakanangana nekusimudzira hunyanzvi
hwekuita mitambo yekuedzesera amunoti ma drama muchirungu, mitambo yechinyakare
yakafanana ne mangwingwindo, dinhe, chinyamusasure, mafuwe, kudetemba
kwemafaro, uye mimwe mitambo inogona kuve chitiiko kuno kuHurungwe mudunhu
reMashonaland West.
Tine
vana vedu vane hunyanzvi mukuimba vanga vasiri kuzivikanwa uye ndiwo mukana
wamuri kuvaona vachiitawo zvavanogona.
Ko
kana munhu achigona tingatadze kurovawo mhururu here? Ndosaka takukokai pano
mese.
Tiri
kufara kuti ve chikwata che Baptism of Fire vakave nhungamiri pakubatsira
gorokoto ratinaro pano remwana mutsva aberekwa pano. Mwana aberekwa mukufara,
mumba medu ngamugare mune mafaro ejekerere kubva pano kusvika mumisha medu
tese.
Ndiro
dangwe redunhu reMashonaland West asi abviswa rukuvhute ratiri kurasira pasi
pezvikomo zveHurungwe pachirira mburungwe.
Mafaro
akadai anovengwa nevaroyi asi kune isu veHurungwe takawanda tinoti kuwanda
huuya saka takukokai kuti tive nemi pano zuva ranhasi pachikamu che Hurungwe
Arts Festival.
Tiri
kufara kuti mitambo yatinayo pano haisi yekuedzana masimba kune vechiri kutanga
nevamwe vachiri kutanga, aiwa kwete, kutandara tichifara tose tichisimudzirana.
Ndiro donzvo redu guru uye hwaro
hwemafaro akadai aya.
Hurungwe
ndiyo ine vana vakaita mukurumbira mukuimba vakaita samushakabvu Biggie Tembo
uyo akaberekwa achinzi Mhosva Marasha aibva kwa Sabhuku Nyamupfukudza kuDoro
uku pasi paShe Nematombo. Ndiye muimbi wekutanga kuenda kumagarachando Ku
Britain kumakore ekuma1980 uko.
Tine
vana vane mukurumbira kusanganisira vana mushakabvu Prince Tendai Mupfurutsa
aibva paMagunje apa. Pane vamwe vakaita saArtwell Matamba, Admire Kasenga.
Parizvino
tine vamwe vachiri kuita mukurumbira vakaita saTatenda Mahachi akakokwa kuSouth
Africa Gospel show iro svondo rino. Pane musikana anonzi Tariro Madiro
wekuChiva uku nevamwe vakawanda chaizvo kuratidza kuti kune zvipo zvakasiyana
zvinoda kusimudzirwa.
Ndiko
kusaka taita mutambo uyu, tisifara abiyanguweeeeeeeeeee.
Tinavo
vakawanda vakaita izvi asi hwaro hwendaro rino kuti zvakaitwa izvi hazvifaniri
kufira pasi.
Nhasi
tati titange nhimbe yemafaro kubudikidza neHurungwe Arts Festival iyo tinotarisira
kuti vanhu tese tinofanira kubatana kuramba tichiita mumatunhu ese eHurungwe
kusanganisira kwemadzishe akaita saIshe Chundu, Mjinga, Nematombo nevamw vese
munguva inotevera, hazvisi zvemudhorobha reKaroi chete, aiwa ndezvenyu imi
vagary ve Hurungwe.
Pamazuva
maviri ano ngatidzidze kukosha kwechivanhu chedu mutsika nemagariro edu sevanhu
vatema.
Koshesai
chivanhu uye mudunhu rino reHurungwe magara mune zvinoera saka tinoti ve
Culture Fund musanete kuramba muchitibatsira kuti mhemberero dzekubarwa
kwedangwe redu iri Hurungwe Arts Festival dzirambe dziripo kusvika ave kufamba,
apa ndinoreva kuti rambai munesu pamakore anotevera pamafaro akadai.
Ngatifare
kuti tidzidze sezvo kugara nhaka houna dzevamwe, isu toti zvikomo
zvinokumbidzana mhute, apa tese ngatibve nezvishoma zvatinobata mushure
mekudzidza, kutamba kuri pano pasi pechirongwa cheHurungwe Arts Festival.
Uyu
mwana wenyu vagari veHurungwe dunhu reMashonaland West uye nyika yese zvayo
pakuda kuchengetedza tsika nehunhu uye kusimudzira zvipo zviri muvana vedu ava
vatiri kuda kusiira nhaka.
Ndinotenda
nenguva yamandipa kuzarura mutambo uno zviri pamutemo ndichiti kuvaenzi vese,
sunungukai, Hurungwe inokutambirai nemufaro.
Zuva
ranhasi tiri kuti Hurungwe Kacha, mburungwe kuHurungwe uye meita musija
nabiyenyu kuno vana veGorekore.
Ndatenda,
vadzimu vepasi vedunhu rino vanofara kana tichiita ungano dzemafaro akadai.
Mwari vakuitirei zvakanaka pamazuva amunenge muchifara uye kudzidza tsika
nehunhu mumitambo, nhetembo uye mafaro ekubatana.
Ndatenda
Hurungwe DA Tsana Chirau