Tuesday 2 December 2014

Hurungwe Arts Festival official opening speech in Shona

Pamusoroi vakokwa vese kunyanya Ishe vedunhu rino Ishe Kazangarare, vashandi vemapazi  eHurumende kusanganisira vebazi reDzidzo, bazi remitambo netsika, bazi revechidiki, nemamwe mapazi ese eHurumende.

Ndinochingamidza zvakare vauya vakamirira sangano reCulture Fund avo vanove vakatibatsira kuti tiite hurongwa uhwu tichifara tose. Pasina ivo nhimbe yemafaro yatinayo pano ingadai isina kubudirira.

Nditendereiwo kugamuchira vese vauya pano kubva kumativi mana enyika kuuya kuHurungwe kwatinoti kunorira mburungwe yemafaro.

Muchidimbu nhoroondo ye Hurungwe Arts Festival yakanangana nekusimudzira hunyanzvi hwekuita mitambo yekuedzesera amunoti ma drama muchirungu, mitambo yechinyakare yakafanana ne mangwingwindo, dinhe, chinyamusasure, mafuwe, kudetemba kwemafaro, uye mimwe mitambo inogona kuve chitiiko kuno kuHurungwe mudunhu reMashonaland West.

Tine vana vedu vane hunyanzvi mukuimba vanga vasiri kuzivikanwa uye ndiwo mukana wamuri kuvaona vachiitawo zvavanogona.

Ko kana munhu achigona tingatadze kurovawo mhururu here? Ndosaka takukokai pano 
mese.

Tiri kufara kuti ve chikwata che Baptism of Fire vakave nhungamiri pakubatsira gorokoto ratinaro pano remwana mutsva aberekwa pano. Mwana aberekwa mukufara, mumba medu ngamugare mune mafaro ejekerere kubva pano kusvika mumisha medu tese.

Ndiro dangwe redunhu reMashonaland West asi abviswa rukuvhute ratiri kurasira pasi pezvikomo zveHurungwe pachirira mburungwe.
Mafaro akadai anovengwa nevaroyi asi kune isu veHurungwe takawanda tinoti kuwanda huuya saka takukokai kuti tive nemi pano zuva ranhasi pachikamu che Hurungwe Arts Festival.

Tiri kufara kuti mitambo yatinayo pano haisi yekuedzana masimba kune vechiri kutanga nevamwe vachiri kutanga, aiwa kwete, kutandara tichifara tose tichisimudzirana.  Ndiro donzvo redu guru uye hwaro hwemafaro akadai aya.

Hurungwe ndiyo ine vana vakaita mukurumbira mukuimba vakaita samushakabvu Biggie Tembo uyo akaberekwa achinzi Mhosva Marasha aibva kwa Sabhuku Nyamupfukudza kuDoro uku pasi paShe Nematombo. Ndiye muimbi wekutanga kuenda kumagarachando Ku Britain kumakore ekuma1980 uko.

Tine vana vane mukurumbira kusanganisira vana mushakabvu Prince Tendai Mupfurutsa aibva paMagunje apa. Pane vamwe vakaita saArtwell Matamba, Admire Kasenga.

Parizvino tine vamwe vachiri kuita mukurumbira vakaita saTatenda Mahachi akakokwa kuSouth Africa Gospel show iro svondo rino. Pane musikana anonzi Tariro Madiro wekuChiva uku nevamwe vakawanda chaizvo kuratidza kuti kune zvipo zvakasiyana zvinoda kusimudzirwa.

Ndiko kusaka taita mutambo uyu, tisifara abiyanguweeeeeeeeeee. 

Tinavo vakawanda vakaita izvi asi hwaro hwendaro rino kuti zvakaitwa izvi hazvifaniri kufira pasi.

Nhasi tati titange nhimbe yemafaro kubudikidza neHurungwe Arts Festival iyo tinotarisira kuti vanhu tese tinofanira kubatana kuramba tichiita mumatunhu ese eHurungwe kusanganisira kwemadzishe akaita saIshe Chundu, Mjinga, Nematombo nevamw vese munguva inotevera, hazvisi zvemudhorobha reKaroi chete, aiwa ndezvenyu imi vagary ve Hurungwe.

Pamazuva maviri ano ngatidzidze kukosha kwechivanhu chedu mutsika nemagariro edu sevanhu vatema.

Koshesai chivanhu uye mudunhu rino reHurungwe magara mune zvinoera saka tinoti ve Culture Fund musanete kuramba muchitibatsira kuti mhemberero dzekubarwa kwedangwe redu iri Hurungwe Arts Festival dzirambe dziripo kusvika ave kufamba, apa ndinoreva kuti rambai munesu pamakore anotevera pamafaro akadai.

Ngatifare kuti tidzidze sezvo kugara nhaka houna dzevamwe, isu toti zvikomo zvinokumbidzana mhute, apa tese ngatibve nezvishoma zvatinobata mushure mekudzidza, kutamba kuri pano pasi pechirongwa cheHurungwe Arts Festival.

Uyu mwana wenyu vagari veHurungwe dunhu reMashonaland West uye nyika yese zvayo pakuda kuchengetedza tsika nehunhu uye kusimudzira zvipo zviri muvana vedu ava vatiri kuda kusiira nhaka.

Ndinotenda nenguva yamandipa kuzarura mutambo uno zviri pamutemo ndichiti kuvaenzi vese, sunungukai, Hurungwe inokutambirai nemufaro.

Zuva ranhasi tiri kuti Hurungwe Kacha, mburungwe kuHurungwe uye meita musija nabiyenyu kuno vana veGorekore.

Ndatenda, vadzimu vepasi vedunhu rino vanofara kana tichiita ungano dzemafaro akadai. Mwari vakuitirei zvakanaka pamazuva amunenge muchifara uye kudzidza tsika nehunhu mumitambo, nhetembo uye mafaro ekubatana.

Ndatenda
Hurungwe DA Tsana Chirau

No comments:

Post a Comment